Psalms 126

Rwiyo rworwendo.

1Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni,
takanga tava savanhu vairota.
2Miromo yedu yakanga izere nokuseka,
ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro.
Ipapo zvakanzi pakati pendudzi,
“Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.”
3Jehovha atiitira zvinhu zvikuru,
uye tazara nomufaro.

4Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha,
sehova dzeNegevhi.
5Avo vanodyara nemisodzi
vachakohwa nenziyo dzomufaro.
6Uyo anobuda achichema,
akatakura mbeu yokudyara,
achadzoka nenziyo dzomufaro,
akatakura zvisote.
Copyright information for SnaBDSC